Matthew 1

Madzitateguru aJesu Kristu

1Bhuku redzinza raJesu Kristu, Mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahama. 2Abhurahama wakabereka Isaka; Isaka ndokubereka Jakobho; Jakobho ndokubereka Judha nevanakomana vababa vake; 3Judha ndokubereka Faresi naZara kuna Tamari; Faresi ndokubereka Esiromi; Esiromi ndokubereka Arami; 4Arami ndokubereka Aminadhabhi; Aminadhabhi ndokubereka Naashoni; Naashoni ndokubereka Sarimoni; 5Sarimoni ndokubereka Bhowazi kuna Rahabhi; Bhowazi ndokubereka Obhedhi kuna Rute; Obhedhi ndokubereka Jese; 6Jese ndokubereka Dhavhidhi mambo; Dhavhidhi mambo ndokubereka Soromoni kumukadziwaiva waUria; 7Soromoni ndokubereka Robhoami; Robhoami ndokubereka Abhiya; Abhiya ndokubereka Asa; 8Asa ndokubereka Josafati; Josafati ndokubereka Joramu; Joramu ndokubereka Oziasi; 9Oziasi ndokubereka Jotamu; Jotamu ndokubereka Akazi; Akazi ndokubereka Hezekia; 10Hezekia ndokubereka Manase; Manase ndokubereka Amoni; Amoni ndokubereka Josiyasi; 11Josiyasi ndokubereka Jekoniasi nevanakomana vamai vake nenguva yekutapirwa kuBhabhironi. 12Zvino shure kwekutapirwa kuBhabhironi, Jekoniasi wakabereka Saratieri; Saratieri ndokubereka Zerubhabheri; 13Zerubhabheri ndokubereka Abhiudhi; Abhiudhi ndokubereka Eriakimi; Eriakimi ndokubereka Azori; 14Azori ndokubereka Sadhoki; Sadhoki ndokubereka Akimi; Akimi ndokubereka Eriyudhi; 15Eriyudhi ndokubereka Eriazari; Eriazari ndokubereka Matani; Matani ndokubereka Jakobho; 16Jakobho ndokubereka Josefa murume waMaria, kwakazvarwa kwaari Jesu, anonzi Kristu.

17Naizvozvo mazera ese kubva kuna Abhurahama kusvikira kuna Dhavhidhi mazera gumi nemana; nekubva kuna Dhavhidhi kusvikira pakutapirwa kuBhabhironi mazera gumi nemana; nekubva pakutapirwa kuBhabhironi kusvikira kuna Kristu mazera gumi nemana.

Kuberekwa kwaJesu Kristu

18Zvino kuberekwa kwaJesu Kristu kwaiva kwakadai: Nokuti mai vake Maria vakati vatsidzirwa kuroorwa naJosefa, vasati vasangana vakaonekwa vava nemimba kubva kuMweya Mutsvene. 19Zvino Josefa murume wavo zvaakange ari wakarurama, asingadi kuvafumura, waida kuvaramba muchivande. 20Asi zvino wakati acharangarira zvinhu izvozvi, tarira, mutumwa waIshe wakaonekwa kwaari muchiroto achiti: Josefa, mwanakomana waDhavhidhi, usatya kuzvitorera Maria mukadzi wako; nokuti icho chakaumbwa maari ndecheMweya Mutsvene. 21Uye achabereka Mwanakomana, uye uchatumidza zita rake Jesu, nokuti iye achaponesa vanhu vake pazvivi zvavo. 22Zvino zvese izvozvi zvakaitwa kuti zvizadziswe zvakarehwa naIshe kubudikidza nemuporofita achiti: 23Tarira, mhandara ichava nemimba, igobereka Mwanakomana, uye vachatumidza zita rake Emanueri, ndokuti kana zvichishandurwa, Mwari anesu. 24Zvino Josefa amuka pahope akaita sezvakaraira mutumwa waIshe kwaari, akazvitorera mukadzi wake; 25uye haana kumuziva kusvikira azvara Mwanakomana wake wedangwe; akatumidza zita rake JESU.

Copyright information for Shona